Matthew 8
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera.Select Matthew 8:1
2Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.Select Matthew 8:2
3Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.Select Matthew 8:3
4Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari.Select Matthew 8:4
5Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa,Select Matthew 8:5
6achiti: Ishe, muranda wangu arere kumba wakafa mitezo, anotambudzika kwazvo.Select Matthew 8:6
7Zvino Jesu akati kwaari: Ini ndichauya ndimuporese.Select Matthew 8:7
8Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa.Select Matthew 8:8
9Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda; anoenda; nekune umwe: Uya; anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi; anoita.Select Matthew 8:9
10Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.Select Matthew 8:10
11Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga;Select Matthew 8:11
12asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.Select Matthew 8:12
13Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo.Select Matthew 8:13
14Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri.Select Matthew 8:14
15Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira.Select Matthew 8:15
16Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vese vairwara;Select Matthew 8:16
17kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu.Select Matthew 8:17
18Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.Select Matthew 8:18
19Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda.Select Matthew 8:19
20Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro.Select Matthew 8:20
21Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu.Select Matthew 8:21
22Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.Select Matthew 8:22
23Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.Select Matthew 8:23
24Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange arere.Select Matthew 8:24
25Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara!Select Matthew 8:25
26Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.Select Matthew 8:26
27Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera?Select Matthew 8:27
28Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yeVaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo.Select Matthew 8:28
29Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here?Select Matthew 8:29
30Zvino kure navo kwakange kune boka renguruve zhinji richifura.Select Matthew 8:30
31Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.Select Matthew 8:31
32Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rese renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura.Select Matthew 8:32
33Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvese uye zvevakange vane madhimoni.Select Matthew 8:33
34Zvino tarira, guta rese rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo.Select Matthew 8:34
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation