Matthew 9
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.Select Matthew 9:1
2Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere pahwanyanza; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako.Select Matthew 9:2
3Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.Select Matthew 9:3
4Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?Select Matthew 9:4
5Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe?Select Matthew 9:5
6Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora hwanyanza hwako, uende kumba kwako.Select Matthew 9:6
7Akasimuka, akaenda kumba kwake.Select Matthew 9:7
8Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu.Select Matthew 9:8
9Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.Select Matthew 9:9
10Uye zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.Select Matthew 9:10
11Zvino VaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?Select Matthew 9:11
12Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara.Select Matthew 9:12
13Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.Select Matthew 9:13
14Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu neVaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?Select Matthew 9:14
15Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.Select Matthew 9:15
16Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.Select Matthew 9:16
17Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.Select Matthew 9:17
18Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu achangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama.Select Matthew 9:18
19Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.Select Matthew 9:19
20Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.Select Matthew 9:20
21Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa.Select Matthew 9:21
22Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo.Select Matthew 9:22
23Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere,Select Matthew 9:23
24akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza.Select Matthew 9:24
25Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.Select Matthew 9:25
26Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yese.Select Matthew 9:26
27Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!Select Matthew 9:27
28Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.Select Matthew 9:28
29Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.Select Matthew 9:29
30Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva.Select Matthew 9:30
31Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yese.Select Matthew 9:31
32Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni.Select Matthew 9:32
33Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.Select Matthew 9:33
34Asi VaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.Select Matthew 9:34
35Zvino Jesu wakapota nemaguta ese nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rese neurwere hwese pakati pevanhu.Select Matthew 9:35
36Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.Select Matthew 9:36
37Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma;Select Matthew 9:37
38naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake.Select Matthew 9:38
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation