Revelation 11
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino kwakapiwa kwandiri rutsanga rwakaita semudonzvo, mutumwa ndokumira achiti: Simuka, zvino yera tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.Select Revelation 11:1
2Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.Select Revelation 11:2
3Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.Select Revelation 11:3
4Ava miti miviri yemiorivhi, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.Select Revelation 11:4
5Zvino kana kune anoshuva kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo wavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana umwe achishuva kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.Select Revelation 11:5
6Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ese nguva dzese dzavanoda.Select Revelation 11:6
7Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya.Select Revelation 11:7
8Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu.Select Revelation 11:8
9Zvino vanobva kuvanhu nevemarudzi nevendimi nevendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe mumakuva.Select Revelation 11:9
10Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza vanogara panyika.Select Revelation 11:10
11Zvino shure kwemazuva matatu nehafu, mweya weupenyu kubva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vakavaona.Select Revelation 11:11
12Zvino vakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Zvino vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo ndokuvaona.Select Revelation 11:12
13Zvino nenguva iyoyo kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, chegumi cheguta ndokuwa, nemazita evanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara ndokuvhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.Select Revelation 11:13
14Nhamo yechipiri yapfuura; zvino tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kuuya.Select Revelation 11:14
15Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi.Select Revelation 11:15
16Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawa nezviso zvavo vakanamata Mwari,Select Revelation 11:16
17vachiti: Tinokuvongai, Ishe Mwari Wemasimbaose, aripo, wakange aripo, neachauya, nokuti makatora simba renyu guru, uye makatonga.Select Revelation 11:17
18Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.Select Revelation 11:18
19Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano yake mutembere yake; ndokuvapo mheni nemanzwi nekutinhira nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.Select Revelation 11:19
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation