Revelation 13
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.Select Revelation 13:1
2Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba. Zibukanana rikapa kwachiri simba raro, nechigaro charo cheushe, nemasimba makuru.Select Revelation 13:2
3Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa rakange rapodzwa; nyika yese ikashamisika shure kwechikara.Select Revelation 13:3
4Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara, vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndiani anogona kuita hondo nacho?Select Revelation 13:4
5Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwawo kwachiri simba rekubata mwedzi makumi mana nemiviri.Select Revelation 13:5
6Ndokushamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake, netabhenakeri yake, neavo vanogara kudenga.Select Revelation 13:6
7Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda; kukapiwawo kwachiri masimba pamusoro perudzi rwese nerurimi nerudzi.Select Revelation 13:7
8Uye vese vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabaiwa kubva pakuvambwa kwenyika.Select Revelation 13:8
9Kana umwe ane nzeve, ngaanzwe.Select Revelation 13:9
10Kana umwe achiunganidza muutapwa, anoenda muutapwa; kana umwe achiuraya nemunondo, zvakamufanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.Select Revelation 13:10
11Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira kubva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, ndokutaura sezibukanana.Select Revelation 13:11
12Uye chakashandisa simba rese rechikara chekutanga pamberi pacho uye chinoita kuti nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.Select Revelation 13:12
13Chinoitawo zviratidzo zvikuru, kuti nemoto chinoita kuti uburuke kubva kudenga kuuya panyika pamberi pevanhu.Select Revelation 13:13
14Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezviratidzo zvakapiwa kwachiri kuti chiite pamberi pechikara, chichiti kune vanogara panyika, ngavaitire mufananidzo chikara chakange chine vanga remunondo, chikararama.Select Revelation 13:14
15Zvino kwakapiwa kwachiri kupa mweya kumufananidzo wechikara, kutiwo mufananidzo wechikara utaure, chigoita kuti vese vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.Select Revelation 13:15
16Chinoitawo vese, vadiki nevakuru, uye vafumi nevarombo, uye vakasununguka nevaranda, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,Select Revelation 13:16
17uye kuti kusava neumwe anogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye ane mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.Select Revelation 13:17
18Hehuno uchenjeri. Ane kunzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nokuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.Select Revelation 13:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation