Revelation 16
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.Select Revelation 16:1
2Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.Select Revelation 16:2
3Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa.Select Revelation 16:3
4Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.Select Revelation 16:4
5Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.Select Revelation 16:5
6Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.Select Revelation 16:6
7Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.Select Revelation 16:7
8Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.Select Revelation 16:8
9Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.Select Revelation 16:9
10Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.Select Revelation 16:10
11Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.Select Revelation 16:11
12Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.Select Revelation 16:12
13Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;Select Revelation 16:13
14nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.Select Revelation 16:14
15Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.Select Revelation 16:15
16Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.Select Revelation 16:16
17Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!Select Revelation 16:17
18Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.Select Revelation 16:18
19Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.Select Revelation 16:19
20Zvino chiwi chega-chega chikatiza, nemakomo akasawanikwa.Select Revelation 16:20
21Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda* chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.Select Revelation 16:21
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation