Revelation 19
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;Select Revelation 19:1
2nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.Select Revelation 19:2
3Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi.Select Revelation 19:3
4Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya!Select Revelation 19:4
5Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mese varanda vake, nevanomutya, zvese vadiki nevakuru.Select Revelation 19:5
6Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose.Select Revelation 19:6
7Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira.Select Revelation 19:7
8Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene.Select Revelation 19:8
9Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari.Select Revelation 19:9
10Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti ndihwo uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.Select Revelation 19:10
11Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newakange agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa.Select Revelation 19:11
12Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.Select Revelation 19:12
13Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari.Select Revelation 19:13
14Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika.Select Revelation 19:14
15Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.Select Revelation 19:15
16Uye panguvo nepachidzva chake pakange pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE.Select Revelation 19:16
17Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzese dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru,Select Revelation 19:17
18kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yezvese, zvese yevakasununguka neyevakasungwa, zvese yevadiki neyevakuru.Select Revelation 19:18
19Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newakange akatasva bhiza, uye nehondo yake.Select Revelation 19:19
20Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa.Select Revelation 19:20
21Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzese dzikagutiswa nenyama yavo.Select Revelation 19:21
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation