Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 20

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.Select Revelation 20:1

2Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,Select Revelation 20:2

3ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki.Select Revelation 20:3

4Zvino ndakaona zvigaro zveushe, uye vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwavari; ndikaona nemweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, uye nekuda kweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma yavo, neparuoko rwavo; zvino vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.Select Revelation 20:4

5Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.Select Revelation 20:5

6Wakaropafadzwa uye mutsvene ane mugove pakumuka kwekutanga; pane ava rufu rwechipiri harwuna simba; asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachabata ushe pamwe naye makore churu.Select Revelation 20:6

7Zvino panopera makore churu, Satani achasunungurwa kubva mutirongo rake,Select Revelation 20:7

8zvino uchabuda kutsausa marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire hondo; uwandu hwavo hwakaita sejecha regungwa.Select Revelation 20:8

9Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodikanwa; moto ndokuburuka kubva kuna Mwari uchibva kudenga ndokuvamedza.Select Revelation 20:9

10Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi.Select Revelation 20:10

11Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, newakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.Select Revelation 20:11

12Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari, mabhuku ndokuzarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu; vakafa vakatongwa kubva pane zvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.Select Revelation 20:12

13Zvino gungwa rakapa vakafa vakange vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo.Select Revelation 20:13

14Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.Select Revelation 20:14

15Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto.Select Revelation 20:15

Next: Revelation 21Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.