Revelation 5
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.Select Revelation 5:1
2Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro?Select Revelation 5:2
3Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira.Select Revelation 5:3
4Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira.Select Revelation 5:4
5Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe.Select Revelation 5:5
6Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yese.Select Revelation 5:6
7Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe.Select Revelation 5:7
8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.Select Revelation 5:8
9Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rese, nekururimi, nekuvanhu, nekurudzi,Select Revelation 5:9
10makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.Select Revelation 5:10
11Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru,Select Revelation 5:11
12vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.Select Revelation 5:12
13Nechisikwa chega-chega chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa nezvese zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba kusvikira rinhi narinhi.Select Revelation 5:13
14Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.Select Revelation 5:14
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation