Revelation 8
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakati azarura mucherechedzo wechinomwe, kwakavapo kunyarara kudenga kwakaita sehafu yeawa.Select Revelation 8:1
2Zvino ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari, kukapiwawo kwavari hwamanda nomwe.Select Revelation 8:2
3Zvino umwe mutumwa wakauya akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji, kuti azvipe neminyengetero yevatsvene vese pamusoro pearitari yegoridhe yakange iri pamberi pechigaro cheushe.Select Revelation 8:3
4Zvino utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira neminyengetero yevatsvene huchibva muruoko rwemutumwa pamberi paMwari.Select Revelation 8:4
5Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, ndokuuzadza nemoto wearitari, ndokuukanda panyika; zvino kwakavapo manzwi nekutinhira nemheni nekudengenyeka kwenyika.Select Revelation 8:5
6Zvino vatumwa vanomwe vakange vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuti varidze.Select Revelation 8:6
7Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwese hwakapiswa.Select Revelation 8:7
8Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, zvino chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa; chetatu chegungwa ndokuva ropa;Select Revelation 8:8
9ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.Select Revelation 8:9
10Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura.Select Revelation 8:10
11Zvino zita renyeredzi rainzi Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakange yavaviswa.Select Revelation 8:11
12Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa nechetatu chemwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.Select Revelation 8:12
13Zvino ndakatarira, ndokunzwa mutumwa umwe achibhururuka ari pakati pedenga achiti nenzwi guru: Mune nhamo, mune nhamo, mune nhamo vagari vepanyika, pamanzwi asara ehwamanda yevatumwa vatatu vachazoridza!Select Revelation 8:13
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation