Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 9

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, zvino ndakaona nyeredzi ichibva kudenga ichiwira panyika, ndokupiwa kwaari kiyi yegomba risina chigadziko.Select Revelation 9:1

2Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka kubva mugomba seutsi hwevira guru, nezuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba.Select Revelation 9:2

3Zvino muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, ndokupiwa kwadziri simba, sezvinyavada zvenyika zvine simba.Select Revelation 9:3

4Kukanzi kwadziri dzirege kutadzira uswa hwenyika, kana chipi zvacho chinyoro, kana muti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.Select Revelation 9:4

5Zvino kwakapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; uye kurwadzisa kwadzo kwaiita sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.Select Revelation 9:5

6Zvino pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.Select Revelation 9:6

7Uye zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo pane zvakaita sekorona dzakafanana negoridhe, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.Select Revelation 9:7

8Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akaita seeshumba.Select Revelation 9:8

9Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvedare, nekutinhira kwemapapiro adzo sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji achimhanyira kuhondo.Select Revelation 9:9

10Zvino dzakange dzine miswe yakafanana nezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo, nesimba radzo rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.Select Revelation 9:10

11Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru riri Abhadhoni, uye nechiGiriki ane zita Aporioni.Select Revelation 9:11

12Nhamo imwe yapfuura; tarira, kuchiri kuuya nhamo mbiri shure kweizvi.Select Revelation 9:12

13Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, zvino ndakanzwa inzwi kubva panyanga ina dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari,Select Revelation 9:13

14richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.Select Revelation 9:14

15Zvino vakasunungurwa vatumwa vana vakange vakagadzirirwa awa nezuva nemwedzi negore, kuti vauraye chetatu chevanhu.Select Revelation 9:15

16Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwaiva makumi ezvuru maviri emakumi ezvuru; ndakanzwawo uwandu hwavo.Select Revelation 9:16

17Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo, nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo*, nezvesarufa*, nemisoro yemabhiza semisoro yeshumba, nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.Select Revelation 9:17

18Neizvi zvitatu kwakaurawa chetatu chevanhu, nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.Select Revelation 9:18

19Nokuti simba rawo riri mumuromo wawo, nemumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo.Select Revelation 9:19

20Zvino vakasara vevanhu, vasina kuurawa pamatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kunamata madhimoni, nezvifananidzo zvegoridhe nesirivheri nezvendarira nezvemabwe nezvematanda, zvisingagoniwo kuona, zvisinganzwiwo, uye zvisingafambi;Select Revelation 9:20

21uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.Select Revelation 9:21

Next: Revelation 10Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.