Romans 12
Shona Bible
Translation: SHONA
1Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.Select Romans 12:1
2Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara.Select Romans 12:2
3Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo.Select Romans 12:3
4Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana;Select Romans 12:4
5saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe.Select Romans 12:5
6Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo;Select Romans 12:6
7kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa;Select Romans 12:7
8kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro.Select Romans 12:8
9Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka.Select Romans 12:9
10Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana.Select Romans 12:10
11Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;Select Romans 12:11
12muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero;Select Romans 12:12
13muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni.Select Romans 12:13
14Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka.Select Romans 12:14
15Farai nevanofara, uye chemai nevanochema.Select Romans 12:15
16Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera.Select Romans 12:16
17Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese.Select Romans 12:17
18Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vese.Select Romans 12:18
19Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe.Select Romans 12:19
20Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.Select Romans 12:20
21Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.Select Romans 12:21
Shona Bible (SHONA) · GFDL