Romans 14
Shona Bible
Translation: SHONA
1Zvino ane utera parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.Select Romans 14:1
2Umwe anotenda kudya zvese, asi ane utera anodya miriwo.Select Romans 14:2
3Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.Select Romans 14:3
4Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa.Select Romans 14:4
5Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake.Select Romans 14:5
6Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari.Select Romans 14:6
7Nokuti hakuna umwe kwatiri anozviraramira, uye hakuna anozvifira.Select Romans 14:7
8Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe.Select Romans 14:8
9Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve kuti ave Ishe wevese vakafa nevapenyu.Select Romans 14:9
10Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tese tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.Select Romans 14:10
11Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari.Select Romans 14:11
12Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu achazvidavirira pachake kuna Mwari.Select Romans 14:12
13Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo.Select Romans 14:13
14Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.Select Romans 14:14
15Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira.Select Romans 14:15
16Naizvozvo zvakanaka zvenyu ngazvirege kunyombwa.Select Romans 14:16
17Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene.Select Romans 14:17
18Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu.Select Romans 14:18
19Naizvozvo zvino ngatitsvakisise zvinhu zverugare, nezvinhu zvekuvakana.Select Romans 14:19
20Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvese zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso.Select Romans 14:20
21Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba.Select Romans 14:21
22Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera.Select Romans 14:22
23Asi asina chokwadi, kana achidya, wava nemhosva, nokuti haadyi nerutendo; uye chese chisingabvi parutendo, chivi.Select Romans 14:23
Shona Bible (SHONA) · GFDL