Romans 4
Shona Bible
Translation: SHONA
1Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama?Select Romans 4:1
2Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari.Select Romans 4:2
3Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.Select Romans 4:3
4Asi kune anoshanda mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava.Select Romans 4:4
5Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.Select Romans 4:5
6Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti:Select Romans 4:6
7Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa.Select Romans 4:7
8Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi.Select Romans 4:8
9Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama.Select Romans 4:9
10Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.Select Romans 4:10
11Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;Select Romans 4:11
12uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa.Select Romans 4:12
13Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo.Select Romans 4:13
14Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa;Select Romans 4:14
15nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo.Select Romans 4:15
16Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese,Select Romans 4:16
17(sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo.Select Romans 4:17
18Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako.Select Romans 4:18
19Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara;Select Romans 4:19
20asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,Select Romans 4:20
21achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita.Select Romans 4:21
22Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.Select Romans 4:22
23Asi zvakange zvisina kunyorwa nekuda kwake ega, kuti zvakaverengerwa kwaari;Select Romans 4:23
24asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa,Select Romans 4:24
25wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.Select Romans 4:25
Shona Bible (SHONA) · GFDL