Romans 5
Shona Bible
Translation: SHONA
1Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,Select Romans 5:1
2watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.Select Romans 5:2
3Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira,Select Romans 5:3
4uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro;Select Romans 5:4
5uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri.Select Romans 5:5
6Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.Select Romans 5:6
7Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka.Select Romans 5:7
8Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.Select Romans 5:8
9Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha.Select Romans 5:9
10Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake;Select Romans 5:10
11zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso.Select Romans 5:11
12Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vese, nokuti vese vakatadza;Select Romans 5:12
13nokuti kusvika murairo wavapo chivi chakange chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi, pasina murairo,Select Romans 5:13
14asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevakange vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye wakange achizouya.Select Romans 5:14
15Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu.Select Romans 5:15
16Uye chipo hachina kuita seumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kuneumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva.Select Romans 5:16
17Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu ega, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu.Select Romans 5:17
18Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vese, mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vese mukusapiwa mhosva kweupenyu.Select Romans 5:18
19Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.Select Romans 5:19
20Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;Select Romans 5:20
21kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu.Select Romans 5:21
Shona Bible (SHONA) · GFDL