Skip to content
Church.wiki
Romans

Romans 6

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?Select Romans 6:1

2Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?Select Romans 6:2

3Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?Select Romans 6:3

4Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu.Select Romans 6:4

5Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake;Select Romans 6:5

6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi;Select Romans 6:6

7nokuti uyo wakafa wakasunungurwa pachivi.Select Romans 6:7

8Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;Select Romans 6:8

9tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake.Select Romans 6:9

10Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari.Select Romans 6:10

11Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu.Select Romans 6:11

12Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho;Select Romans 6:12

13uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.Select Romans 6:13

14Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.Select Romans 6:14

15Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!Select Romans 6:15

16Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?Select Romans 6:16

17Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri;Select Romans 6:17

18uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama.Select Romans 6:18

19Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene.Select Romans 6:19

20Nokuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.Select Romans 6:20

21Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu.Select Romans 6:21

22Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi.Select Romans 6:22

23Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.Select Romans 6:23

Next: Romans 7Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Romans

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.