Romans 8
Shona Bible
Translation: SHONA
1Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.Select Romans 8:1
2Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu.Select Romans 8:2
3Nokuti zvakange zvisingagoneki nemurairo, pakuti wakange une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;Select Romans 8:3
4kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.Select Romans 8:4
5Nokuti avo vepanyama vanofunganya zvinhu zvenyama; asi vari paMweya zvinhu zveMweya.Select Romans 8:5
6Nokuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kweMweya upenyu nerugare;Select Romans 8:6
7nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo;Select Romans 8:7
8neavo vari munyama havagoni kufadza Mwari.Select Romans 8:8
9Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake.Select Romans 8:9
10Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.Select Romans 8:10
11Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri.Select Romans 8:11
12Naizvozvo zvino, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame maererano nenyama;Select Romans 8:12
13nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.Select Romans 8:13
14Nokuti vese vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.Select Romans 8:14
15Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba.Select Romans 8:15
16Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;Select Romans 8:16
17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye.Select Romans 8:17
18Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.Select Romans 8:18
19Nokuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kubudiswa pachena kwevana vaMwari.Select Romans 8:19
20Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariroSelect Romans 8:20
21kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.Select Romans 8:21
22Nokuti tinoziva kuti chisikwa chese chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvikira ikozvino.Select Romans 8:22
23Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu.Select Romans 8:23
24Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve?Select Romans 8:24
25Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.Select Romans 8:25
26Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki;Select Romans 8:26
27zvino iye anonzvera moyo anoziva fungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari.Select Romans 8:27
28Uye tinoziva kuti zvinhu zvese zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake.Select Romans 8:28
29Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nechimiro cheMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji;Select Romans 8:29
30neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.Select Romans 8:30
31Ko zvino tichatii kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?Select Romans 8:31
32Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tese, angarega sei kutipa zvese pachena pamwe nayewo?Select Romans 8:32
33Ndiani achapa mhosva pavasanangurwa vaMwari? NdiMwari anoti vakarurama;Select Romans 8:33
34ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera.Select Romans 8:34
35Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?Select Romans 8:35
36Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rese; tinoverengwa semakwai ekubaiwa.Select Romans 8:36
37Asi pazvinhu izvi zvese tiri vakundi nekupfuurisa naiye wakatida.Select Romans 8:37
38Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouyaSelect Romans 8:38
39kana urefu kana udzamu kana chimwe chisikwa chipi zvacho chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.Select Romans 8:39
Shona Bible (SHONA) · GFDL